Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Peace Project Yokurudzira Vanhu Kuvhota Murunyararo


Nelson Chamisa

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Peace Project, ZPP, Muzvare Jestina Mukoko, vanoti zvakakosha kuti vanhu vabude nehuwandu hwavo kuitira kuti vavhote vachisarudza vatungamiri vavanoda.

Muzvare Mukoko vanoti vanenge vatyisidzirwa kana kushungurudzwa panguva yesarudzo, vanofanirwa kuudza mapurisa.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vavhota kuKuwadzana uko vatambirwa nechaunga chevanhu.

Ukuwo mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vavhotera paSherwood Park primary school mudunhu reChirumhanzi-Zibagwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG