Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 27, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 27, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotaura kumucheto wemusangano weBRICS kuSouth Africa vachiti Zimbabwe ichaita sarudzo murunyararo neMuvhuro.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoita musangano wekutsvaga rutsigiro kuBindura vachivimbisa vanhu kuti Zimbabwe ichange yave nemutungamiri mutsva nemusi weChipiri

Meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vanotaura nevatori venhau kekupedzisira vari meya weguta guru renyika vachiti kanzuru ichavhoterwa neMuvhuro ine mutoro mukuru wekugadzirisa zvinhu.

Vanhu vopa pfungwa dzavo dzakasiyana siyana pamusoro pesarudzo dziri kuitwa neMuvhuro munyika.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuMakoni West uko vanhu vari kunzi vachabatsirwa kunovhota musi wesarudzo nevanhu vari kusarudzwa nemasabhuku.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika mugadziriro dzesarudzo neMuvhuro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG