Vanhu gumi vanofa mutsaona yemumugwagwa kuMapinga nezuro manheru apo vaienda kurufu kuChinhoyi.
Kuratidzira kweMDC Alliance kunopindwa nezviuru nezviuru zvevanhu, mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vachiti vachange vachishambadza musi wesarudzo zvinenge zvabuda panzvimbo yekuvhotera yega yega kuitira kuti sarudzo iyi isabiridzirwe.
Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, vanoudzwa nevakaremara pamwe nevanoshaya kuti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nehurumende kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980.
Hurumende inowedzera mari dzevashandi nezvikamu gumi nezvinomwe kutanga mwedzi uno, asi ichipa mapurisa zvikamu makumi maviri kubva muzana, ukuwo mauto achiwanawo mari iri pamusoro; zvikamu makumi maviri nechidimbu kubva muzana, izvo zvisiri kufadza vashandi vehurumende vakawanda.
Madzishe mashanu emudunhu reManicaland anoti Makumbe, Mapungwana, Chiduku, Gwenzi, naHata anosarudzwa kuve nhengo dzedare remadzishe munyika yose..
Studio7 inopinda mumaruwa ichinzwa zvichemo zvevanhu zvakanangana nezviri kuitika musarudzo
Facebook Forum