Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu, Chikunguru 13, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, Chishanu, Chikunguru 13, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zimbabwe Electoral Commission inoti kuvhota pachishandiswa posvo kana kuti postal voting kuri kuenderera mberi uye mutemo wesarudzo haubvumidze kuti ZEC, vemapato ezvematongerwo enyika kana vanoongorora sarudzo vange varipo sezvo kuvhota uku kuchifanira kuitwa muchivande.

Muchuchisi mukuru wehurumende, kana kuti Prosecutor-General, Advocate Ray Goba vanomiswa basa chiriporipotyo vachipomerwa mhosva dzine chitsama dzinosanganisira kukundikana kuroverera kumatare edzimhosva vanhu vakapara mhosva.

Vamwe vatsigiri veMDC Alliance nevemamwe mapato anopikisa vanoratidzira muBulawayo vachitsutsumwa nekusajeka kwekuvhota kwemapurisa vachishandisa postal voting.

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga vanoita musangano nevatsigiri vebato ravo reZanu PF kuLupane, mudunhu reMatabeleland North.

Mubatanidzwa weMDC Alliance unoita musangano nevatsigiri wawo mudunhu reMutasa Central, uko vachamirira mubatanidzwa uyu musarudzo yemutungamiri wenyika uye vari mutungamiri werimwe bato reMDC-T, VaNelson Chamisa vari kutaura.

Mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition unoti mauto anenge akapfeka mbatya dzawo ari kukanganisa misangano yawo pamwe nekutysidzira vatsigiri wavo kuMasvingo South, kunyange hazvo Zimbabwe National Army yakaramba kuti ine mauto ari kuita izvi.

Makwikwi emutambo wenhabvu wepasi rose, eFIFA World Cup ari kuitirwa kuRussia anonanga kwamvura yacheka makumo zvikwata zveCroatia neFrance zvichidamburana mufainari.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm, tiri kutarisa nyaya yekuvhota pachishandiswa postal voting iri kuitika munyika nekunze kwenyika pari zvino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG