Sangano reZimbabwe Electoral Commission roburitsa zvakabuda musarudzo, Zanu PF ichitungamira mudunhu reMasvingo neMatabeleland South ukuwo MDC Alliance ichitungamira kuManicaland.
MDC Alliance inoti yakunda musarudzo dzakaitwa nezuro panguva iyo motokari dzemauto dzehondo dzinoiswa muHarare.
ZEC inoti hapana munhu anobvumirwa nemutemo kuburitsa zvakabuda musarudzo.
Zimbabwe Elections Support Network inoti sarudzo dzakaitwa murunyararo munyika yose.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kubuda musarudzo.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum