Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Chikunguru 23, 2018


Nhau DzeShona Studio7
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vari kutungamira Commonwealth mukuongorora sarudzo munyika uye vaive mutungamiri wenyika yeGhana VaJohn Dramani Mahama vosvika muZimbabwe nhasi.

Vaimbova mutungamiri wenyika yeLiberia Amai Ellen Johson Sirleaf, nhengo yedare reparamende yeCongress reAmerica Amai Karen Bass uye vaive mutevedzeri wemunyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika Ambassador Johnnie Carson voenda kunoongorora sarudzo kuZimbabwe.

Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa voita musangano kuGoromonzi South nhasi.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vodoma VaKumbirai Hodzi kuti vafanobata chigaro chemuchuchusi mukuru wehurumende mushure mekumiswa basa kwaVaRay Goba avo vari kuferefetwa nemhosva yekukundikana basa.

VaMnangagwa voparurawo hurongwa hwekuvandudzwa kwenhandare yeAir Zimbabwe.

Hurumende inoti varimi vachena vakasungunuka kushanda nevatema pamapurazi uye hapana minda mitsva ichatorwa.

Vamwe vechikaradhi vanoti vari kubatwa neseri kweruoko munyaya dzebudiriro apo nyika yatarisana nesarudzo.

Vatsigiri veDynamos vonyunyuta nekutatarika kuri kuita chikwata chavo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa rwendo rwekuenda kusarudzo dziriko nemusi weMuvhuro

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG