Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 20, 2018


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chikunguru 20, 2018
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoita musangano nevatsigiri vavo kwaMutare vachivavimbisa hupenyu hwakanaka muhurumende yavo. VaMnangagwa vatenda Mwari kuti Amai Oppah Muchinguri Kashiri vakapona zvichitevera kukandwa kwegirinedhi muBulawayo, vakatiwo VaKembo Mohadi vakadzoka munyika kubva kuSouth Africa kwavanga vachirapwa, asi vakati pachine vanhu vaviri vane hupenyu huri munjodzi zvichitevera kukuvadzwa kwavakaitwa negirinedhi.

Sangano ravana chipangamazano reAfrobarometer rinoburitsa ongororo inoratidza kuti vanhu vari kufarira zvakanyanya mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, kudarika VaMnangagwa, nokuti vanovimba kuti VaChamisa vachavawanisa mabasa, asi vamwewo vachiti vanovimba naVaMnangagwa pana VaChamisa pachigaro chemutungamiri wenyika

Vamwe vari kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika vanoti vari kumhanya mhanya chose vachitsvaga rutsigiro kunyange hazvo zvavari kuita zvisiri kuonekwa neveruzhinji

Vakuru mumapato ezvematongerwo enyika vokakavadzana pane zviri kuitika mugadziriro yesarudzo, izvo zvinosanganisira madhindirwo egwaro rekuvhotera mutungamiri wenyika.

Zimbabwe Electoral Commission yoendeswa kumatare nemapato ezvematongerwo enyika ayo ari kuda kuti Zec ikomekedzwe kutevedzera mitemo yenyika pakuita basa rayo.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvakabuda muongororo yeAfrobarometer pamwe nenyaya dziri kumatare pamusoro pemaitiro eZimbabwe Electoral Commission ayo ari kushorwa nemapato.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG