Ruzhinji rwunoti chikwata cheZimbabwe chakatamba zvakanaka chose kunyange hazvo chakanwiswa zvibodzwa zvitatu
Kambani yezvemagetsi yeZesa inonzi iri kushandisa mari yakawandisa kubhadhara vashandi vayo
Zanu PF inokoka bato reCommunist Party of China
Chikwata chevanyrikani, che The Elders, chinoti nhaurirano dzemuZimbabwe dzinofanirwa kuchipedzwa.
Mitemo yeAIPPA neBroadcasting Services Act inonzi inogona kukanganisa kufambiswa kwemashoko zvakasununguka
Vemachechi vanonzi vari kuda kunzwisisa kuti zvinhu zviri kufamba sei muhurumende yemubatanidzwa
Machechi aya anoti mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika, ava kutoda minamato
Vatsigiri veZanu PF vanonzi vakatanga kuimba dzimbo dzechimurenga, vachiramba kuteerera vatungamiri vavo, vanosanganisira VaJohn Nkomo.
Vana vazhinji vari kufa nechirwere chegwirikwiti vanonzi vana vemapositori, ayo anonzi ari kuramba kubaisa vana nhomba
Gurukota rezvemukati, VaGiles Mutsekwa, vanoti vakatapwa mazwi asiri iwo
Makomishina eZMC anotambira VaMahoso sezvinhu zvakaitwa nenzira kwayo
Zimbabwe iri kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo nekuda kwekuti haisi kutengesa zvigadzirwa nezvivanikwa zvayo kunze kwenyika
Nyaya yaVaBennett uye kusawirirana kuri mubato iri zvimwe zvezvinhu zvicha kurukurwa
Veruzhinji vonetsekana nenyaya yaVaBennett
NCA inoti haina mari yekubhadhara Mavhunga, uyo akamboshandira sangano iri
The NCA owes journalist Columbus Mavhunga some money after it terminated his contract
Sangano iri rinoti matunhu madiki makumi maviri kubva mumatunhu makumi matanhatu nemaviri ari munyika achatadza kukohwa zvakanaka
Vatungamiri ava vanokurudzira vanoda kutanga mabhizimusi munyika kuti vapinde vakasununguka
Gavhuna weRBZ VaGideon Gono ndivo vachange vachi tungamirira bhodhi iri
Asi mutungamiri wechimwe chikwata, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti vachamira vega
Rodhai zvimwe