Vatungamiri vemachechi, vakuru muhurumende yemubatanidzwa, pamwe nevamiriri vemapato ezvematongerwo enyika, vasangana kuKariba uko vari kupangana mazano pamusoro pezviri kuitika munyika.
Musangano uyu wakarongwa neZimbabwe Council of Churches nechinangwa chekuda kuzivisana pasvika nhaurirano, hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro remitemo idzva, uye chirongwa chekupodzwa kwemaronda pamwe nekuregererana.
Vamiriri vehurumende vari kupinda musangano uyu, vanosanganisira gurukota rezvekupodzwa kwemaronda, Amai Sekai Holland, pamwe negurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga.
Vari kumirira mapato ezvematongerwo enyika vanoti munyori mukuru muMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara, VaWelshman Ncube, gurukota rezvemitemo uye vari nhengo yeZanu PF, VaPatrick Chinamasa, pamwe negurukota rinoona nezvezvivakwa zvehurumende, VaFidelis Mhashu, vachimirira MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.
Amai Holland vaudza Studio7 kuti vemachechi vanga vachinyanya kuda kunzwa mamiriro akaita hwaro hwehurongwa hwekupodzwa kwemaronda pamwe nekuregererana munyika.