Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMagetsi Yooresa Moyo Bato reMDC


Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti hurongwa hwekumutsiridza hupfumi munyika huri kukanganiswa zvikuru nekudzimwa kuri kuitwa magetsi nguva zhinji.

Mugwaro rakaburitsa nebato iri, MDC inoti inoshushikana zvikuru nekudzimwa-dzimwa kwemagetsi nekambani yeZESA.

MDC yatiwo izvi zviri kuunzawo matambudziko makukutu kuzvizvarwa zveZimbabwe.

MDC inoti huwori huri mumakambani ari pasi pehurumende, zvimwe zvezvinhu zviri kuita kuti zvinhu zviomere veruzhinji, ikati inokurudzira bazi remhando dzemoto, kuitira kuti riongorore zviri kuitika muZESA uye kuzvigadzirisa nekukasika.

Veruzhinji vari kunyunyutawo nekukwira kwemitero yemagetsi yavanonzi vabhadhare, ivo vasiri kuwana magetsi acho nguva zhinji.

Studio7 yakundikana kubata gurukota rezvemhando dzemoto, Engineer Elias Mudzuri, kuti tinzwe divi ravo, sezvo nhare dzange dzichinetsa.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi, uye vari Executive Director veLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kutarisisa zviri kunetsa kwete muZESA chete, asi kuti mumakambani ose ari pasi pehurumende.

XS
SM
MD
LG