Gurukota rezvemari VaTendai Biti, neChipiri vakazivisa bhodhi richatungamira mukuunza shanduko dziri kuchemerwa kubhanga guru renyika, reRBZ, iro ranga radzikira pasi zvikuru.
Bhodhi iri richange richi tungamirwa nagavhuna weRBZ, VaGideon Gono, uye mutewedzeri wavo ndaVaCharles Kuwaza, avo vakambove munyori mukuru webazi rezvemari.
Vamwe vari mubhodhi iri vanosanganisira nyanzvi mune zveupfumi, VaGodfrey Kanyenze, VaTony Hawkins, VaNyasha Zhou, Mai Primrose Kurasha, VaMordecai Mahlangu, VaDaniel Ndlela, VaWillard Manungo, naVaGeorge Smith.
Bhodhi iri rinotarisirwawo kugadzirisa nyaya yezvikwereti zvine bhanga guru renyika. RBZ yakatorerwa midziyo yayo nevaine zvikwereti navo, yakatengeswa kuitira kutsiva zvikwereti izvi.
Nyanzvi mune zveupfumi, uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara vaudza Studio 7 kuti vanoona sekunge bhodhi iri ringangoita basa rakanaka kana pakasaita kupindira kwevezvematongerwo enyika.