Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inonzi Haisi Kuzorambidza Vanhu kuRatidzira Panguva yeWorld Cup


Rimwe gurukota rezvemukati menyika, VaGiles Mutsekwa, varamba mashoko ekuti hurumende icharambidza kuratidzira kwendudzi dzose munguva yemutambo wenhabvu we2010 World Cup, uyo uchaitwa mwedzi unouya kuSouth Africa.

VaMutsekwa vanoti chiri kurongwa kuitwa nehurumende kukumbira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvizvibatewo panguva yemitambo iyi, kuburikidza nekusaita mhirizhonga.

VaMutsekwa vaudza Studio7 kuti hurumende haigoni kurambidza vanhu kuratidzira, sezvo iri kodzero yemunhu wese kuratidzira chero nguva yaanoda.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaMutsekwa vakabvuma pamusangano weMDC kuti ivo nemumwe wavo, VaKembo Mohadi, vakawirirana kuti vatore danho rekurambidza kuratidzira.

VaMohadi varamba kutaura neStudio7, vachiti havatauri nenhepfenyuro iyi.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti mapurisa ari mushishi kugadzirira hurongwa hwekuti munyika musave nekuratidzira munguva yeWorld Cup.

Ukuwo bepanhau reThe Standard rakaburitsa mashoko ekuti hurumende icharambidza kuratidzira panguva yemitambo yeWorld Cup, senzira yekuti Zimbabwe nedunhu rekuchamhembe kweAfrica, zvive nzvimbo dzakasununguka kushanyira panguva iyi.

Bazi rezvemukati meSouth Africa rakazivisa kuti harisi kuzorambidza zvizvarwa zvenyika iyi kuratidzira panguva iyi, sezvo iri kodzero yazvo.

VaMutsekwa vaudza Studio7 kuti chiri kuitwa nebazi ravo kungokumbira zvizvarwa zveZimbabwe kuti zvizvibate panguva yemitambo iyi kuburikidza nekusaratidzira.

XS
SM
MD
LG