Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanokurukura neMapositori Dambudziko reGwirikwiti


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana muHarare nemasangano ane chekuita nekudzivirirwa kwechirwere chegwirikwiti, pamwe nevemachechi echipositori, ayo anonzi haadi kubaisa vana majekiseni enhomba, ekudzivirira chirwere chegwirikwiti.

Zvinonzi vechitendero chechipositori vapinda musangano uyu, vakoka vebazi rezvehutano kuti vaende munzvimbo dzavanonamatira vachibaya vana nhomba.

Vana vanoda kusvika kumazana mana, vazhinji vacho vari vana vemapositori, vanonzi vakafa negwirikwiti, kubva pakatanga chirwere ichi muna Gunyana gore rapera.

Bazi reUnited Nations Central Emergency Response Fund, rakapa Zimbabwe mari inoita $5,6 million yekuti ishandiswe mukubaya nhomba vana vanosvika mamiriyoni mashanu. Hurongwa uhu huri kutarisirwa kutanga neMuvhuro svondo rinouya.

Mamwe emasangano apinda musangano uyu anosanganisira UNICEF, World Health Organization, bazi rezvehutano, pamwe nemadzishe.

Musangano uyu waitwa kuti patsvagwe nzira dzekuita kuti mapositori abvumidze vana vavo kubayiwa nhomba senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vaudza Studio7 kuti mapositori apinda musangano uyu avimbisa kushanda pamwe nehurumende mukuzadzisa chirongwa chekudzivirira chirwere chegwirikwiti.

XS
SM
MD
LG