Accessibility links

Breaking News

Va Mahoso Vopihwa Basa Guru kuZimbabwe Media Commission


Vatori venhau vanoti havasi kufara nedanho iri, sezvo VaMahoso vari ivo munhu akashandiswa nehurumende yaVaMugabe vega, kuvhara mapepanhau akaita se Daily News ne Weekly Tribune

Zimbabwe Media Commission, kana kuti ZMC, inonzi yakapa basa raChief Executive Officer kumunhu akaonesa nhamo vatori venhau munyika, pamwe nemakambanio avaishandira, VaTafataona Mahoso.

VaMahoso vaimbove sachigaro weMedia and Information Commission, iyo yakabviswa zviri pamutemo, kuburikidza ne Constitutional Amendment Number 19.

Radio VOP inoti masangano anopa rubatsiro haasi kufara nekudzorwa kwaVaMahoso muZMC, sezvo vaine chekuita nekuvharwa kwemamwe mapepanhau munyika.

Vatori venhau vanotiwo havasi kufara nedanho iri, sezvo VaMahoso vari ivo munhu akashandiswa nehurumende yaVaMugabe, pasati paumbwa hurumende yemubatanidzwa, kuvhara mapepanhau akaita se Daily News ne Weekly Tribune.

ZMC inonzi haisati yapa rezinesi kana munhu mumwe chete zvake nezvikonzero zvekushaikwa kwemari, izvo zvakaita kuti mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vati vachashevedza sangano iri kuti ritsanangure zviri kuitika.

ZMC inonzi yakatadzawo kuita musangano wakakosha wekutarisa nezvekupiwa kwemarezinesi, nechikonzero chekushaiwa mari ichi. ZMC yakapihwa nehurumende mubhajeti ra 2010, mari inoita zviuru makumi mana nezvinomwe zvemadhora ekuAmerica yekushandisa gore rino.

Mumwe wemakomishina eZMC, Amai Miriam Sibanda, vanoti VaMahoso, kunyange hazvo vapihwa basa iri, vachange vachishanda vari pasi pamakomishina.

Zvichakadaro, sangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe rinotiwo hariwirirani nebasa re ZMC. Sangano iri rinoti rinoda kuti vatori venhau vashande vega vachizvitsiura mune zvavanenge vachikanganisa, kwete kuti hurumende iumbe sangano rinovapa mitemo.

Amai Abigail Gamanya ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri weVMCZ. Amai Gamanya vanoti vatori venhau munyika havatsigiri pfungwa yekuti vashande vari pasi pe ZMC.

XS
SM
MD
LG