Bhanga guru renyika reRBZ, rakazivisa svondo rapera kuti kubva muna Ndira kusvika muna Kurume, chikwereti chenyika chakakwira kubva paU.S$5.7 billion kusvika paU.S$5.84 billion.
Pachikwereti ichi, mari inoita U.S$5.3 billion ndeye chikwereti chekunze kwenyika, kwotiwo chemukati menyika chichisvika paU.S$513 million.
Kukwira kwezvikwereti zvenyika uku kunonzi kuri kukonzerwawo nenyaya yekuti hapana zviri kutengeswa zvakawanda zviri kubva muZimbabwe, uye vanobatsira vakasungawo homwe dzavo nekuda kwezviri kuitika muhurumende yemubatanidzwa.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vaudza Studio 7 kuti chiri kunyanya kukwidza chikwereti cheZimbabwe imari dziri kuberekwa nechikwereti ichi.