Sangano rinoona nezvechikafu pasi rose, reWorld Food Program, WFP, rinoti Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekudzikira kwegohwo remwaka uno nematani anosvika mazana mana nemakumi mashanu ane pfumbamwe ezviuru zvematani, kana kuti 459 000 metric tonnes.
Mugwaro reongororo yezvirimwa pamwe nezvipfuyo rinonzi neZimOnline yakaburitswa nesangano iri neMuvhuro, WFP inoti matunhu makumi maviri kubva mumatunhu madiki makumi matanhatu nemaviri ari munyika, akakundikana kuwana chikafu chinokwana.
WFP inoti imwe ongororo yakadzama iri kuitwa kuti panyatsoonekwa huwandu hwekudzikira kwegoho pamusha wega wega. Matunhu anonzi ane dambudziko anoti Masvingo, Matebeleland South nedzimwe nzvimbo muManicaland.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuWFP.
Asi National Director veChristian Care, iyo inoshanda neWFP, Reverend Forbes Matonga, vanoti huwandu hwakaburitswa nesangano iri hunogona kunge huri pasi.