Accessibility links

Breaking News

Midziyo yeSangano reNCA Inotorwa neChikonzi cheDare reDzimhosva


Midziyo yesangano reNCA, inosanganisira motokari mbiri nema computer, mafiriji nemidziyo yemuhofisi, zvakatorwa neChipiri nechikonzi chedare senzira yekubhadhara chikwereti chemari inodarika zviuru zvina zvemadhora, kumutori wenhau, Columbus Mavhunga, uyo akamboshandira sangano iri.

Zvinonzi NCA yakanga yakanyorerana pasi naMavhunga kuti achashanda kwenguva yakadii ari chipangamazano, asi sangano iri rinonzi rakazomumisa basa nguva iyi isati yakwana, izvo zvakazoita kuti akwire kumatare edzimhosva.

Mavhunga abvuma kuti NCA ine mari yake uye chikonzi chakatora midziyo yesangano iri kuitira kuti itengeswe, mari yacho yopihwa Mavhunga.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vaudza Studio7 kuti chiitiko ichi chiratidzo chezvavanogara vakataura zvekuti sangano ravo harina mari, sezvo vaipa rubatsiro vakasunga homwe dzavo kubva pakaramba NCA kupinda muhurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Vatiwo izvi hazvizofi zvakakanganisa zvinangwa zvesangano ravo zvekuti munyika muve nebumbiro remitemo idzva rinobva kuvanhu, kwete rinotungamirwa nehurumende.

XS
SM
MD
LG