MDC rinotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, inoti riri kutyira kuti mauto ari kunzi ari kuendeswa kumuganhu weZimbabwe neMozambique mudunhu reManicaland anogona kuzoguma oshungurudza nhengo dzayo sezvo nyika yatarisana nesarudzo.
Mapato maviri eMDC ari muhurumende audza nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa kuti Zanu-PF iri kuramba kuvandudza zvinhu.
Sangano rinorwira kodzero dzevanhu rinoti vaongorori vanofanirwa kuenda kuZimbabwe kunoona mafambiro ereferendamu nesarudzo
Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vanoti SADC haisi kuzobvisa ziso rayo paZimbabwe kudzamara zvinhu zvagadziriswa.
Mutungamiri wemauto eZimbabwe National Army, Lieutenant General Valerio Sibanda, vari kushorwa zvikuru nebato reMDC nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu nemashoko avakataura ekuti mauto haasi kuzobvumidza vavanoti vari kushandiswa nevachena kuda kupamba nyika zvekare kuti vatonge Zimbabwe.
Vamwe vakaoma musoro muZanu-PF vanonzi varuvamba zvakare rwiyo rwekukurudzira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vaende kuSADC kunotaura nevamwe vakuru venyika idzi kuti vabvume kuti Zimbabwe iite sarudzo gore rinouya pasina bumbiro idzva sezvo mapato ari muhurumende yemubatanidzwa ari kutadza kuwirirana.
Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti riri kutumira nhumwa kuMozambique nekuTanzania nechinangwa chekukurudzira nyika mbiri idzi kuti dzione kuti muZimbabwe maitwa shanduko pasati paitwa sarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya
Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, avo vakasarudzwa neChipiri kuva mutungamiri weAmerica wechimakumi mana neshanu, munhu ari kukorokotedzwa nenyika dzemuAfrica kubva kuCape kusvika kuCairo.
Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, ndivo vakunda musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika iyi zvichitevera kusvitsa kwavaita zvigaro mazana maviri nemakumi manomwe zvinodiwa kuti munhu anzi akunda musarudzo
Sangano reHarare Residents Trust rinoti vagari vemuHarare vasvitsa gwaro renyunyuto dzavo kukanzuru kuitira kuti dzigadziriswe.
Gurukota rinoona nezvemari, VaTendai Biti, vanoti hupfumi hwenyika huchakura kusvika pazvikamu zvina kubva muzana kwete pa ne 5,6% sezvavainge vambotaura.
Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nedzehupfumi dzinoti hadzisi kufara nenyaya yekuti mazita evanhu vari kuwana zvikamu mumakambani ari kutorwa nehurumende pasi pechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema haasi kuburitswa.
Bhanga guru rinokweretesa mari pasi rose, reInternational Monetary Fund, IMF, rakabvisa neChipiri zvimwe zvirango zvarakanga rakatemera Zimbabwe zvekusadyidzana nenyika iyi.
Kunetsana muhurumende yemubatanidzwa panyaya yesarudzo kuri kutarisirwa kuramba kuchikura zvikuru panyaya yekuti mari yekuita sarudzo ichabva kupi.
Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition riri kukurudzira vana veZimbabwe kuti vaite chirwirangwe kuitira kuti vamise mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vanoti vanoda kupedzisa ivo nevamwe vatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa, chirongwa chekunyora bumbiro idzva remitemo yenyika.
Masangano maviri anoshanda akazvimirira anoti reCrisis in Zimbabwe Coalition nere International Crisis Group aburitsa magwaro anoratidza kuti haana chivimbo chekuti SADC ingakwanisa kuvandudza zvinhu muZimbabwe sarudzo dzisati dzaitwa gore rinouya.
Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, nevamwe vakuru venyika dziri musangano reSADC Troika ndivo vave kutarisirwa kupedzisa gakava rezvebumbiro remutemo iro rinonzi ratonyanya kukomba, kunyange hazvo musangano wekuzeya gwaro rebumbiro wapera neChipiri
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vaimbenge vatenderana kuti vaise bumbiro idzva mumaoko avo, vachigadzirisa pachavo zvavanofunga kuti zvinofanirwa kugadziriswa, vava kupesana padanho iri.
Vana sachigaro vaviri vekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika vanoti vari kuendesa ZBC kumatare edzimhosva vachiipomera mhosva yekusvibisa mazita avo.
Rodhai zvimwe