Accessibility links

Breaking News

SADC Yopomerwa Mhosva yeKutadza Kugadzirisa Nyaya yeZimbabwe


VaJacob Zuma
VaJacob Zuma
Masangano maviri anoshanda akazvimirira anoti reCrisis in Zimbabwe Coalition nere International Crisis Group, ICG, aburitsa magwaro anoratidza kuti haana chivimbo chekuti SADC ingakwanisa kuvandudza zvinhu muZimbabwe sarudzo dzisati dzaitwa gore rinouya.

Crisis in Zimbabwe Coalition ine gwaro rinonzi Zimbabwe Transition Barometer, ukuwo ICG ine rinonzi Implementing Peace and Security Architecture (11) Southern Africa.

Magwaro aya anoburitsa pachena kuti SADC iri kukundikana kugadzirisa dambudziko reZimbabwe sezvange zvichitarisirwa nevakawanda.

Gwaro re ICG rinoti SADC haina simba kana zvikwanisiro zvekuti igadzirise zvinhu munyika zvakaita semitemo yejekerere.

Sangano iri rinoti SADC inofanira kuvandudzwa kuti iite meno zvikuru panyaya yekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika munyika dziri kuchamhembe kweAfrica.

Ukuwo Crisis in Zimbabwe Coalition inoti SADC yarasika gwara zvachose nekusimbisa kuti munyika mungoti gadzikanei zvishoma pozoitwa sarudzo muna gore rinouya pasina kana kuzadzikiswa kwemitemo nezvinhu zvinounza hutongo hwejekerere zvakaita sekuvandudza mitemo yekutorwa kwenhau, mashandiro emauto, gwaro revavhoti nezvimwe.

Sangano iri rinoti pakaitwa sarudzo pasina kuvandudzwa zvinhu mhirizhonga yakaitika muna 2008 pasarudzo dzechipiri dzemutungamiri wenyika inogona kudzokororwa.

Sangano iri rinotiwo SADC yarasa chinangwa chekuva mutongi gava panyaya yeZimbabwe uye yave kurega mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiita zvinhu pamadiro. VaMugabe vanonzi vari kuramba kuzadzikisa zvibvumirano zvavakaita nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari maneja mubazi rehutongo hwejechetere musangano reInstitute for a Democratic Alternative Zimbabwe vanoti Zimbabwe pachayo inofanira kugadzirisa zvinhu zvayo kwete kumirira kuti SADC igadzirise zviri kunetsa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG