Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare Voratidzira Kusafaria Mabasa eKanzuru


Precious Shumba
Precious Shumba
Vamwe vagari vemuHarare, vachitsigirana nesangano reHarare Residents Trust, vakaratidzira neChipiri pamuzinda wekanzuru yeguta reHarare, paTown House, vachiti havasi kufara zvachose nezviri kuitwa nekanzuru iyo vanoti iri kutora pamwe nekutengesa midziyo yevanhu vane zvikwereti kukanzuru iyi.

Sangano reHarare Residents Trust rinoti vagari vemuHarare vasvitsa gwaro renyunyuto dzavo kukanzuru kuitira kuti dzigadziriswe.

Vanhu ava vari kudawo kuti zvikwereti zvine vagari kubva mugore ra2009 na2010 zvinofanira kukanganwirwa vagari nekanzuru yavo.

Vagari vemuHarare vanotiwo kunyange hazvo vari kupota vachibhadhara mitero kanzuru yeHarare iri kukundikana kuvapa mvura yakachena kana kutakura marara nguva dzose.

Mashandiro ekanzuru iyi ari kuongororwa negurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, avo vakatovimbisa kare kuti vachaomesera vari kutadza kuita basa mukanzuru iyi.

Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti vari kupa kanzuru kusvika musi wa20 Mbudzi kupindura zvichemo zvavo, uye ikakundikana, vagari vachaenda kumatare.

Vakafanobata chigaro chameya weHarare, VaEmmanuel Chiroto, vanoti vakuru vedhorobha vachagara pasi vozeya zvichemo zvevagari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG