Accessibility links

Breaking News

SADC Inoti Haisi Kuzobvisa Ziso Rayo paZimbabwe


Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salomao, vanoti SADC haisi kuzobvisa ziso rayo paZimbabwe maringe nekuunza hutongo hwejekerere pasati paitwa sarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya kunyange hazvo nyika dzakawanda dzirimuSADC dzakaita seDemocratic Republic of Congo, DRC, Mozambique, South Africa neMadagascar dzakatarisana nekusagadzikana.

Zvinhu zvisati zvambokwira mutarara munyika dzakawanda dzemuSADC, sangano reInternational Crisis Group nemamwe ainge atoyambira kare kuti SADC iri kutadza kumanikidza Zimbabwe kupedza misariridzwa yeGlobal Political Agreement.

Masangano aya anoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanogona kutora mukana wehondo dzave kuitika mune dzimwe nyika vorega kuvandudza zvinhu muZimbabwe, kuitira kuti paite kunge pane kunetsana kukuru.

Vari kutaura izvi vanoti zvatotanga mushure mekunge gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaWebster Shamu, vadoma zvakare bhodhi idzva reZBC pasina kusumawo veMDC-T sezvinodiwa neGlobal Political Agreement.

Mozambique, iyo inova sachigaro weSADC anofanirwa kugadzirisa zvinhu muZimbabwe, yatarisanawo nekusagadzikana mushure mekunge bato rinopikisa reRENAMO razivisa kuti rinogona kutangazve hondo.

Nekowo mutongi gava panyaya yeZimbabwe, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakatarisanawo nekuratidzira kuri kuitwa munyika mavo nevashandi uye vakatarisanawo nerusarudzo dzakaoma mubato ravo reANC muna Zvita.

Zvichakadaro, dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti VaMugabe nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vachatora mukana wemusangano wekutengeserana weCOMESA uri kuitirwa kuUganda kuita hurukuro dzakanangana nekuyedza kupedza hondo yotsviriridza muDRC.

Asi Retired Colonel Martin Rupiya, nyanzvi munyaya dzekudzivirirwa kwenyika vachishanda neInstitute for Security Studies, vanoti zvinonetsa kuziva kuti Zimbabwe ingapindire here muDRC kana kuti kwete. Asi vati zvinokwanisika kana SADC ikaita chisungo chekuti ipindire muhondo iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG