Accessibility links

Breaking News

VaObama Vanosarudzwa Zvakare Kuva Mutungamiri weAmerica


Mutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, ndivo vakunda musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika iyi zvichitevera kusvitsa kwavaita zvigaro mazana maviri nemakumi manomwe zvinodiwa kuti munhu anzi akunda musarudzo.

Zvigaro izvi zvichiri kuverengwa mumatunhu akaita seFlorida, Virginia, neAlaska kunyange hazvo izvi zvisisina zvazvichabatsira nazvo.

VaObama vakunda VaMitt Romney vebato reRupublican Party musarudzo dzaitwa neChipiri asi zviri kubuda musarudzo zvikatanga kuburitswa husiku hweChipiri hwakare.

Izvi zvave kureva kuti VaObama vave kutonga zvakare America kwemamwe makore mana. VaObama vakatanga kusarudzwa muna 2008 apo vakakunda VaJohn McCain ve Republican Party. Izvi zvakapawo kuti VaObama vave munhu mutema wekutanga kutonga muAmerica.

Mashoko ari kubuda anoti VaObama, avo vari kumusha kwavo kuChicago mudunhu reIllinois, vachataura munguva pfupi inotevera zvichitevera kukunda kwavo.

VaRomney vari kutarisirwawo kutaura zvichitevera kukundwa kwavaitwa.

Zvichakadaro, zvabuda musarudzo yeseneti zviri kuratidzawo kuti bato reDemocrat Party ndiro richange richitonga mudare iri, ukuwo dare repasi reHouse of Assembly, richange riri pasi pebato reRepublican Party, sezvaranga riri sarudzo dzisati dzaitwa.
XS
SM
MD
LG