Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokwezva veMabhizimisi ekuSouth Africa


Zimbabwe
Zimbabwe
Zimbabwe yatanga kuita musangano neSouth Africa wakanangana nekukwezva vemabhizimisi ekuSouth Africa kuti auye munyika. Musangano uyu unozivikanwa nerekuti South Africa-Zimbabwe Investment Forum.

Chikwata cheSouth Africa chiri kutungamirwa nemutevedzeri wegurukota rezvemaIndasitiri nekutengeserana, Muzvare Elizabeth Thabethe.

KuZimbabwe kwange kune mutevedzeri wegurukota rezvekutengeserana, VaMike Bimha nevamwe. VeZimbabwe neSouth Africa vanoti zvibvumirano zviripo zvinokwanisa kupfuura mamiriyoni mazana matanhatu emadhora.

Muzvare Thabethe vati havaone mutemo wekuendesa hupfumi huchivakanganisa vakati vemabhizimisi ekuSouth Africa vakawanda vanoda kuzotanga mabhizimisi munyika.

VaBimha vatiwo zviri kuratidza kuti zvinhu pakudyidzana pakati peZimbabwe neSouth Africa zviri kufamba zvakanaka.

Asi vamwe munyika vari kushora chirongwa ichi vachiti hachina zvachinobatsira nyika sezvo vazhinji vekuSouth Africa vari kuuya nezvinhu zvakagadzirwa kare zvoita kuti mabhizimisi emunyika asina hunyanzvi hwakakwana awire pasi.

Asi vanoti Zimbabwe nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezve matongerwo enyika, haichina vekunyatsodyidzana nave.

Mutungamiri weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaOswel Binha, avo vati varikufara nechirongwa ichi sezvo chichasimudzira nyika.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG