Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Vanoti Mhirizhonga Haisi Kupera


Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reThe Observatory for The Protection of Human Rights Defenders, iro rakaumbwa nemasangano eInternational Federation for Human Rights neWorld Organization Against Torture, raburitsa gwaro rinotarisa mamiriro akaita zvinhu munyika richipa kurudziro yekuti United Nations, European Union, SADC neAfrican Union dzitumire nhumwa kuZimbabwe pasati paitwa referendamu yebumbiro idzva remitemo uye sarudzo dziri kutarisirwa gore rinouya.

Gwaro iri rinonzi “Zimbabwe: Ongoing Risks for Human Rights Defenders in the Contest of Political Deadlock and Electoral Period.”

Masangano aya achishanda neZIMRIGHTS anoti nyaya yekutadza kugadzirisa misariridzwa yeGlobal Political Agreement ndiyo iri kupa kuti muZimbabwe zvinhu zvisagadzikane munyaya dzezvematongerwo enyika.

Gwaro iri rinoti zvishoma zvavandudzwa kubva pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa zvopa kuti patyirwe kuti panogona kudeuka ropa kana munyika mukaitwa sarudzo zvinhu zvisina kugadziriswa.

Mukuru we ZIMRIGTS, VaOkay Machisa, vanoti zvinhu muZimbabwe hazvina kumira zvakanaka nekudaro vanotsigira pfungwa yekuti vekunze vauye kuzoongorora zviri kuitika munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG