Accessibility links

Breaking News

VaMugabe naVaTsvangirai Vopesana paNyaya yeGwaro reBumbiro Idzva

  • Blessing Zulu

VaTsvangirai naVaMugabe
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vaimbenge vatenderana kuti vaise bumbiro idzva mumaoko avo, vachigadzirisa pachavo zvavanofunga kuti zvinofanirwa kugadziriswa, vava kupesana padanho iri.

Izvi zvinotevera kukundikana kwakaita VaTsvangirai kugutsa vamwe vavo mubato danho iri.

Mutungamiri webato diki reMDC, VaWelshman Ncube, vakagara varamba vachiti COPAC inofanira kupedza basa rayo, sezvakatarwa muGlobal Political Agreement.

VaMugabe vanonzi vave kuti vanoda kuti komiti yemakurukota inoshanda navo kuti vakwenenzvere bumbiro. Nyaya iyi inonzi yakatosvitswa munzeve dzamutongi gava weSADC kuZimbabwe, VaJacob Zuma, vanova mutungamiri weSouth Africa.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti zviri kuda kuitwa naVaMugabe kutyora chibvumirano cheGlobal Political Agreement.

Asi vamwe vanoti chibvumirano che COPAC chagara chiri pasi pemapato ezvematongerwo enyika, nekudaro hapana chinoshamisa pane zviri kuitika.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, VaDewa Mavhinga, avo vaimbova chpangamazano cheCrisis in Zimbabwe Coalition, vanoti zvaitwa naVaTsvangirai zvinokudzwa nekuti vateererera zvido zvevanhu.
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG