Accessibility links

Breaking News

IMF Yodyidzana Zvakare neZimbabwe


Gurukota rezvemari, VaTendai Biti
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti
Bhanga guru rinokweretesa mari pasi rose, reInternational Monetary Fund, IMF, rakabvisa neChipiri zvimwe zvirango zvarakanga rakatemera Zimbabwe zvekusadyidzana nenyika iyi.

Danho iri riri kuonekwa nenyanzvi munyaya dzehupfumi sechiratidzo chekuti IMF yava kuzarura magonhi ayo kuitira kuti ichitanga kudyidzana zvakasimba neZimbabwe.

IMF inoti ichabatsira Zimbabwe nekuipa zvipanga mazano munyaya dzehupfumi, izvo zvichange zvichishanda nehurumende mukumutsiridza hupfumi hwenyika.

Sangano iri rainge rambocheka hukama neZimbabwe richiti nyika iyi yakanga ichitadza kubhadhara zvikwereti zvayo, uye mirawu yaishandiswa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Izvi zvakaita kuti Zimbabwe itorerwe kodzero dzayo dzekuvhota muna 2003.

Asi kodzero dzekuvhota idzi dzakazodzoserwa muna 2010 zvichitevera matanho akatorwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti, ekuvimbisa IMF kuti Zimbabwe yakanga yakazvipira kubhadhara zvikwereti zvayo kana hupfumi hwayo hwatanga kusimukira, pamwe nekuita mitemo nezvirongwa zvinoremekedza mashandiro eIMF.

Bhodhi reIMF rinoti harisati ratanga kukweretesa Zimbabwe mari nenyaya yekuti iri kutatarika kubhadhara chikwereti chayo kuIMF. Chikwereti ichi chinosvika zana nemakumi mana emamiriyoni emadhora, $140 million.

Zimbabwe ine chikwereti chekunze chinosvika $10.7 billion, chidimbu chemari iyi chiri chikwereti chisiri kubhadharwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaBiti kuti vanotambira seyi danho ratorwa neIMF.

Asi nhengo yeparamende iri mukomiti inoona nezvebhajeti renyika, VaWillas Madzimure, vanoti zvaiitwa neIMF zvinofadza sezvo zvave kureva kuti Zimbabwe yavewo nechiremera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG