Accessibility links

Breaking News

Mauto Oramba Achitaura Mashoko Anokonzera Kusawirirana Munyika


Mutungamiri wemauto eZimbabwe National Army, Lieutenant General Valerio Sibanda, vari kushorwa zvikuru nebato reMDC nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu nemashoko avakataura ekuti mauto haasi kuzobvumidza vavanoti vari kushandiswa nevachena kuda kupamba nyika zvekare kuti vatonge Zimbabwe.

Bepanhau reHerald rinoti VaSibanda vakataura mashoko aya mumazuva mashoma apfuura vari kuMagunje uko kwaipihwa zvitupa vainge vapedza kudzidzira basa rechiuto.

Vakuru vemauto muZimbabwe vagara vachishorwa nevanhu nenyaya yekupindira munyaya dzezvematongerwo enyika vachitsigira Zanu-PF kunyange hazvo mutemo uchivarambidza kuita izvi.

Kutanga muna 2002, vakuru vemauto, kutanga namushakabvu, VaVitalis Zvinavashe, vakati havaizotsigira munhu asina kuenda kuhondo kuti atonge nyika.

SADC yakatenderana neMDC pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa kuti mashandiro emauto aya avandudzwe kuitira kuti vatevedzere mitemo yenyika asi zvinenge zvakona n’anga murapwa achada.

Munyori anoona nezvekudzivirirwa kwenyika muMDC-T, VaGiles Mutseyekwa, avo vakashandawo na Lt General Sibanda muchiuto vanoti vari kushamisika nemashoko aVaSibanda sezvo vachivaziva semunhu asingaite zvematongerwo enyika.

Nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari maneja musangano reInstitute for a Democratic Alternative for Zimbabwe, VaJoy Mabenge, vati nyaya dzemauto idzi dzingadai dzakagadziriswa kare pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG