Accessibility links

Breaking News

VaZuma neSADC Votarisirwa Kupindira paNyaya yeCOPAC


Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, nevamwe vakuru venyika dziri musangano reSADC Troika ndivo vave kutarisirwa kupedzisa gakava rezvebumbiro remutemo iro rinonzi ratonyanya kukomba, kunyange hazvo musangano wekuzeya gwaro rebumbiro, we All Stakeholders Conference, wakapera neChipiri.

VeZanu-PF vanoti vari kuda kuti pavandudzwe zvinhu zvinosanganisira masimba emutungamiri wenyika, nyaya yekupa vana veZimbabwe vari kunze kodzero dzakakwana dzekuti vakwanise kuva zvizvarwa zvedzimwe nyika, kana kuti dual citizenship, kuyendesa masimba kumatunhu uye nyaya yekuti mutungamiri wenyika apinde musarudzo aine mutevedzeri wake.

Sachigaro weZanu-PF muCOPAC, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vabvuma kuti vanoda kuti zvinhu izvi zvivandudzwe.

Asi sachigaro weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vaudzawo Studio 7 kuti pari kuratidza kuti pachine mangange panyaya idzi sezvange zviriko kare nekudaro havaone paine zvinochinja.

Ukuwo VaMugabe vakabuda pachena neMuvhuro kuti vanoda kuti vatungamiri vemapato vave nerekupedzisira pakunyorwa kwebumbiro kubva ikozvino zvichienda mberi.

VaMugabe vanonzi vari kubuda pachena kuti vanoda kushanda nemutevedzeri wemutungamiri wehurumende, VaArthur Mutambara, kwete mutungamiri weMDC diki, VaWelshman Ncube, izvo zvapa kuti VaNcube vapire nhuna dzavo kuna VaZuma, vanovawo mutongi gava weSADC panyaya yeZimbabwe.

Asi veMDC vanoti paramende ngairegwe ipedze basa rayo hurumende yozoritora kana yapedza kwete ikozvino pasati paitwa referendamu.

Zvimwe zviri kupa kuti SADC inzi ipindire inyaya yekuti kana bumbiro idzva rovhoterwa muparamende, mapato ari munyika haana huwandu hwekuti akwanise kuti avhote achikunda mudare reparamende.

SADC yakatozivisa VaZuma kare kuti vane kodzero yekupindira panyaya yebumbiro iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaPhillan Zamchiya, avo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa esangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, vanoti GPA haitendere VaMugabe nevamwe vavo kuti vatore basa reCOPAC.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG