Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC, iyo iri kushorwa zvakanyanya nemabatiro airi kuita sarudzo munyika kunyanya muhurungwe west, inoti VaKeith Guzah veZanu-PF vakasarudzwa zviri pamutemo kunyange havo vange vasiri mugwaro revavhoti.
Mukomana wechidiki wechichena wemuAmerica ari kufungidzirwa kuti ndiye akauraya vanhu vakafa pachechi inopindwa nevanhu vatema muCharleston mu South Carolina, apomerwa zviri pamutemo nemhosva yekuuraya vanhu vapfumbamwe.
Gurukota rinoona nezvemigwagwa nekutakurwa kwezvinhu VaObert Mpofu vanoti hurumende ine hurongwa hwekuisa matoll gates munzira dzose dzekupinda mumaguta nemumadhorobha kuri kuda kutsvaga mari uye kuti motokari dzisangozare mumaguta kana zvisina kukodzera.
Vatungamiri venyika dzemuafrica vapeta musangano wavo mujohannesburg South Africa vachiti vari kufara zvikuru nematanho avatora kugadzirisa matambudziko akasangana nenyika dzemuAfrica.
Mutungamiri we Sudan, Va Omar al-Bashir vakadzokera kumusha kwavo neMuvhuro vachityora mutongo wedare remu South Africa wekuti varambe munyika iyi kudzamara dare rapa mutongo waro panyaya yekunzi vasungwe voendeswa kudare repasi rose re International Criminal Court.
Mukuru weAmnesty International kuchamhembe kweAfrica, VaDeprose Muchena, vanoti zvakakosha kuti vatungamiri vemuAfrica vaone kuti munyika dzavo mune runyararo pamwe nekuremekedzwa kwekodzero dzemunhu wese, zvisineyi kuti anobva kupi.
Bato reZanu-PF radzinga neChina mudare reparamende vaive gurukota rezveMasvingo uye vachimirira Mwenezi West, VaKudakwashe Bhasikiti, mumiriri weMarondera Central, VaRay Kaukonde, pamwe nemumiriri weGuruve North, VaDavid Butau.
Sangano revemabhizimisi reCondeferation of Zimbabwe Industries rinoti kuti vemakambani vatange kuita chouviri vanofanira kunge voshandawo pazvikamu zvinopfuura makumi matanhatu kubva muzana.
Sangano rinoona nezvesarudzo munyika, reZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, rinoti ragadzirira kuita sarudzo dze by election nemusi weChitatu.
Mutungamiri we America, VaBarack Obama, avo vakatumira nhumwa dzavo kuZimbabwe masvondo mashoma apfuura, vari kukurudzirwa kuti vaise ziso ravo pa Zimbabwe sezvo zvinhu zvichizogona kuguma zvaita manyama amire nerongo munyika muchiita kurwisana.
Sangano reWorld Justice Project raburitsa gwaro rayo ra2015 rinoratidza kuti panyaya yekutyora kodzero dzevanhu Zimbabwe iri pamusoro soro.
Gurukota rinomirira dunhu reManicaland muzvare Mandi Chimene vanoti vanotengesa zvinhu mumigwagwa yeguta remutare havazi kuzodzingwa kudzimara vawanirwa nzvimbo dzakakodzera dzokuitira mabasa avo anovapa chouviri.
Vaimbove gurukota rinoona nezvemhando dzemoto muhurumende yemubatanidzwa, VaElton Mangoma neChitatu vakaumba bato idzva rinopikisa rinonzi Renewal Democrats of Zimbabwe.
Mutungamiri weFIFA VaSepp Blatter neChipiri vakasiya basa apo sangano renhabvu iri rakatarisana nenyaya dzehuori.
Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC VaMorgan Tsvangirai vari kushora zvikuru mashoko egurukota gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo nevakuru vemuchiuto ekuti vanhu vanotengesa mumigwagwa vanofanira kunge vabva muzvimbo dzavanotengesera zvinhu nemusi wesvondo kana kuti vanozobviswa nechisimba.
Gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, vapa vanhu vari kutengesa mumigwagwa yemumadhorobha svondo rimwe chete rekuti vange vabva pakati pemaguta avanotengesera vari, vakatadza kuita izvi vanozobviswa nechisimba nemauto nemapusa.
Hurumende yeAmerica inoti haisi kuzotanga kudyidzana zvekare neZimbabwe kunyange hazvo hurumende yaVaBarack Obama iri kutumira nhumwa dzayo kuZimbabwe dzichinoona mamiriro ezvinhu.
Munyika maita kusawirirana nenyaya yekuti poitwa sei nevanhu vanonzi vanodarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana manomwe avo vari kurarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa nenyaya yekushaikwa kwemabasa kunyanya.
Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro, Doctor Godfrey Gandawa, vanoti hurumende haisi kuzoregedza zvikoro zvepamusoro soro zvichiita madiro ajojina nekuwedzera mari dzedzidzo kuti zvikoro zvepamusoro soro izvi zvikwanise kubhdhara varairidzi.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti semutungamiri webato, basa ravo nderekuona kuti zvisungo zvakaitwa nekongiresi yavo gore rapera, zvatevedzwa nemunhu wese, kusanganisira ivo VaTsvangirai.
Rodhai zvimwe