Mutungamiri weSudan, Va Omar al-Bashir, vakadzokera kumusha kwavo neMuvhuro vachityora mutongo wedare remu South Africa wekuti varambe munyika iyi kudzamara dare rapa mutongo waro panyaya yekunzi vasungwe voendeswa kudare repasi rose re International Criminal Court, ICC.
VaBashir vanga vari muJohannesburg vachipinda mumusangano we African Union.
ICC yanga ichida kuti vasungwe vari mu South Africa sezvo VaBashir vari kupomerwa mhosva dzehondo dzavakapara muDarfur muna 2003.
Nyaya yekusungisa VaBashir yakakwidzwa kudare nesangano reSouthern African Litigation Centre.
Asi VaBashir vanonzi vabuda mu South Africa musangano usati wapera vachishandisa nhandare yendege dzemauto.
Mutongi wedare muSouth Africa, VaDunstan Mlambo, vachibatsirwa naVaAubrey Ledwaba naVaHans Fabricius, vati panofanirwa kuferefetwa kuti VaBashir vakabuda seyi munyika nekuti nhandare yeWaterkloof yanga yapihwa mutongo wekuti vasabvumidzwe kubuda.
Musangano we AU unonzi wazeyawo nyaya yematemu anofanirwa kuitwa nemutungamiri wenyika muAfrica.
Vachitaura neSvondo, sachigaro weAU, VaRobert Mugabe, vakashora mutungamiri weBurundi, VaPierre Nkurunziza, nekuda kurambira pachigaro vachivandudza bumbiro remitemo.
Asi VaMugabe vakati havaone havo chakaipa pakuti vatungamiri varambe vari panyanga kana vachidiwa nevanhu.
Vanokokera mabasa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaJoy Mabenge, vanoti VaBashir vaifanira kuendeswa kuICC asi vanoti zviri pachena kuti izvi mutoro kuSouth Africa.