Vatungamiri venyika dzemuAfrica vakapeta musangano wavo muJohannesburg South Africa neMuvhuro vachiti vari kufara zvikuru nematanho avatora mukuyedza kugadzirisa matambudziko akasangana nenyika dzemuAfrica.
Musangano uyu wange urikuitwa pasi pedingindira rakanangana nenyaya dzekudzivirira kutyorwa kwekodzero dzemadzimai uye hupfumi hweAfrica kana kuti "Year Of Women Empowerment And Development Towards Africa’s Agenda 2063".
Asi nyaya yemutungamiri weSudan VaOmar al Bashir ndiyo yakazonyanya kukonzera mutauro.
Dare reInternational Criminal Court raida kuti vasungwe neSouth Africa nemhosva dzavari kupomerwa dzekuponda vanhu mudunhu reDafur.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanova sachigaro weAU vakati nyika dzemu Africa dzinofanira kubuda muICC. Asi sangano reAmnesty International rashora zvikuru South Africa richiti yaifanira kusunga VaBashir kuti vapindure nyaya dzavo pamberi pedare.
VaMugabe nasachigaro weAU Commission Amai Nkosazana Dlamini Zuma vakatiwo AU yazvipira kumisa nyaya yekuroodzwa kwevanasikana vasati vasvika zera.
Munyarikani panyaya yekupedza matambudziko ekuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera kana kuti Goodwill Ambassador To End Child Marriage muAU, Amai Nyaradzai Gumbonzvanda vanoti varikufadzwa zvikuru nechitsidzo chevatungamiri ichi.
Zvichakadaro, bato guru rinopikisa reMovement For Democratic Change rinoti veAU neSADC vanofanira kupindira kubatsira Zimbabwe nekuti zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi uye chikafu.
Hurumende kuburikidza nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa inoti iri kutsvaga mari inosvika mamiriyoni mazana matatu kuti itenge chikafu.
MDC inoti izvi zvakonzerwa nechirongwa chehurumende chekutora minda pasina hurongwa hwakajeka hwekuti yodii. Bato iri rinoti vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe vakatarisana nenzara inotyisa ukuwo hurumende haina mari.
Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti zviri pachena kuti hurumende yapererwa nemazano pakupedza matambudziko akasangana nenyika.
Asi nhengo yePolitburo VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti veMDC-T vanoti hurumende yeZanu-PF ine nhoroondo yekugadzirisa zvinonetsa.