Accessibility links

Breaking News

Muzvare Chimene Vopesana naVaChombo neVakuru veMauto paNyaya yeKudzinga Vanotengesa muMigwagwa


Street Vendors
Street Vendors

Gurukota rinomirira dunhu reManicaland muzvare Mandi Chimene vanoti vanotengesa zvinhu mumigwagwa yeguta reMutare havazi kuzodzingwa kudzimara vawanirwa nzvimbo dzakakodzera dzokuitira mabasa avo anovapa chouviri.

Mashoko aya anotsinhirawo zvakataurwa nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe avo vakambotiwo hapana munhu anofanira kudzingwa mumigwagwa kana achitengesa zvinhu.

Muzvare Chimene vakataura mashoko aya neStudio 7 neChina mushure mekunge vabuda mumusangano wekutambidzwa kwemichina mitsva inoongorora hutachiwana hwehiv/aids pachipatara chikuru cheMutare Provincial Hospital. Michina iyi yakapihwa chipatara ichi kubva kuhurumende yeAmerica.
Muzvare Chimene vanoti hapana zvichaitwa kune vanotengesa mumigwagwa sezvo vari kutsvaga kurarama.

Vanotiwo hurumende inofanira kutanga yavatsvagira pekutengesera isati yavadzinga. Muzvare Chimene neChina vakashanyira nzvimbo dzose dzinotengeserwa nevanhu muguta reMutare vaine chinangwa chokuti vaise musoro pamwe chete kuti vaone kuti ndeipi nzvimbo yakakodzera yekuti vatengesere zvinhu zvavo.

Kanzuru yeMutare inofunga kuti pane vanhu zviuru makumi maviri vari kutengesera zvinhu mumigwagwa yeguta reMutare.

VaSungano Munacho vanoti muzvare Chimene nezuro vakange vaine vakuru vemapurisa, vasori, mauto, matikitivha uye vakuru vemajere vedunhu reMutare vachishanyira nzvimbo dzinoshandirwa nevanotengesa misika muguta.

Zvichakadaro, vanorarama nekutengesa muguta reMutare ava vaudza Studio 7 kuti hapana kwavanoenda kudzimara hurumende yeZanu-PF yavawanira mabasa mamiriyoni maviri akavimbiswa panguva yesarudzo dzemuna 2013.
Mumwe wevanotengesa mumugwaga amai Providence Munyanya vanotiwo vachakamirira mabasa akavimbiswa nehurumende.

VaEdgar Manuwere avo vanotengesa shangu pedyo nekambani yebata maMutare vanoti havana mazhinji nezviri kuda kuitwa kunze kwekuti vavimbiswa kasingaperi nehurumende mabasa pasina chinobuda.

VaSam Pangeti avo vanoshandira panzvimbo yaizivikanwa nekuti Little Swallow kana kuti paMoto-Moto vanoti ishuviro yavo yekuti kana vakabviswa ipapo vawanirwe imwe nzvimbo inoshandika ichivapa chouviri sezvari kuita parizvino uye pane hutsanana.

Baba Chakanyuka Mundondo avo vanoshandira paMiekles Park vachitengesa zvirimwa nemichero inobva kumapurazi akatenderedza guta vanoti hurumende inoda kushandisa chisimba chekubvisa vamwe vakaita savo vachiendeswa kupi sezvo kusina mabasa.

VaPenyai manyawi vanoti dzose nzvimbo dziri kutaurwa kuti vachange vachizoendeswa hadzina kukodzera sezvo dziri kure nekwavanowana vanotenga zvinhu izvi.
.
Zvichakadaro meya weguta reMutare kanzura Tatenda Nhamarare vanoti vachamira nechisungo chakaumbwa negurukota rematunhu nemaguta rekuti vanotengesa zvinhu mumigwagwa vabviswe munzvimbo dzisina kukodzera kutengesera vari.

Asi mutungamiri webato raVaNhamarare VaMorgan Tsvangirai vakaudzawo vatori venhau kuti hurumende haifanire kungodzinga vanhu mumigawgwa isina kwekuvaendesa.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG