Sangano revemabhizimisi reCondeferation of Zimbabwe Industries, CZI, rinoti kuti vemakambani vatange kuita chouviri vanofanira kunge voshandawo pazvikamu zvinopfuura makumi matanhatu kubva muzana.
Asi ikozvino sangano iri rinoti maindasitiri emunyika ari kushanda ari pazvikamu makumi matatu nezvipfumbamwe kubva muzana.
Panguva imwe cheteyo gore rapera, makambani aishanda ari pasi pezvikamu zvinoti darikei zvikamu makumi matatu nezvinomwe kubva muzana.
Mashoko aya ari mugwaro rakaendeswa kugurukota rezvemari, vaPatrick Chinamasa, ne CZI pagadziriro yegwara remafambiro ezvehupfumi repakati pegore richaparurwa nebazi raVaChinamasa.
Muna 2009 kushanda kwemaindasitiri kwainge kwadzikira kusvika pazvikamu gumi kubva muzana.
Asi munguva yehurumende yemubatanidzwa akakwira kusvika pazvikamu makumi mashanu nezvinomwe kubva muzana.
Asi zvinhu zvakadzokerazve kumawere mukupera kwehurumende yemubatanidzwa. Kusashanda zvakanaka kwemaindasitiri kwapa kuti vanhu vakawanda vagume votengesa zvinhu mumigwagwa.
Ongororo ye World Bank inoti vanhu vanosvika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana mashanu vari kutengesa mumigwagwa muZimbabwe.
Asi CZI inoti divi rezvivakwa rinenge riri kuita zviri nani munyaya dzehupfumi.
Zvinhu zvekunze zviri kupinda munyika nemutengo wakaderera, zviri kupawo kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo mumaindasitiri.
Mutungamiri wesangano reCZI, VaBusisa Moyo, vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinoda kuvandudzwa kuitira kuti maindastiri atange kushanda zvakanaka.