Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kushorwa zvakanyanya nemabatiro ayakaita sarudzo yemuHurungwe West, uko inoti VaKeith Guzah veZanu-PF vakasarudzwa zviri pamutemo kunyange hazvo vange vasiri mugwaro revavhoti.
ZEC inoti VaGuzah vakakumbira kuti vabviswe kuMagunje vachienda kuHurungwe West asi pakaita matambudziko pakuita izvi zvakapa kuti izvi zvisaitwe.
Asi ZEC inoti kubvumidza kwayakaita VaGuzah kuti vavhoterwe musarudzo yeHurumengwe West zviri pamutemo. ZEC yatendawo kuti VaGuzah havana kukwanisa kuvhota nekuda kwekuti zita ravo rainge risiri mugwaro revavhoti mudunhu iri.
VaGuzah vaudza Studio 7 kuti hapana chavangataure panyaya iyi pari zvino.
Asi vakakwikwidza musarudzo iyi vakazvimirira, VaTemba Mliswa, vanoti VaGuzah havafanire kunge vachimirira Hurungwe West nekuti mapepa avo avakashandisa pasrudzo iyi akange asina kumira zvakanaka.
Mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, NCA, uye vari muzvinafundo panyaya yemitemo, VaLovemore Madhuku, vanoti mashoko eZEC anoshoresa zvikuru. VaMadhuku vanoti kana VaGuzah zita ravorakanga risiri mugwaro revavhoti zvinoreva kuti havana kodzero dzekuvhoterwa mudunhu iri izvo zvinopa kuti VaMliswa vagadzwe semumiriri wedunhu iri muparamende.