Munyika maita kusawirirana nenyaya yekuti poitwa sei nevanhu vanonzi vanodarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana manomwe avo vari kurarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa nenyaya yekushaikwa kwemabasa kunyanya.
Dzimwe nhengo dzedare reparamanende dziri kukurudzira hurumende nemakanzuru kuti vabvise vanhu ava mumigwagwa sezvo vave kukonzera nyonga nyonga zviuru muHarare.
Rimwe sangano ravana muzvinabhizimisi re Confederation of Zimbabwe Retailers rinotiwo riri kushaiswa hope nevanhu vanotengesa mumigwagwa ava sezvo vezvitoro vari kutadza kubhadhara mari dzemitero nevashandi nekutorerwa bhizimisi nevanotengesa mumigwagwa vasina chavari kubhadhara kuhurumende.
Asi gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakatiwo hurumende ine hurongwa hwekutanga kubhadharisa vanhu ava mari dzemitero.
Mukuru wesangano reNational Vendors Union Zimbabwe, VaSamuel Wadzai, vanoti hurumende haifanire kuvadzinga vasina kwekuendeswa.
Asi vamwe vakavamba sangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaGift Juawo, vanoti panodiwa kutauriranwa kuti dambudziko iri dzigadziriswe sezvo vemabhizimisi vari kurasikirwa nebhizimisi nekuda kwevari kutebngesa mumigwagwa.