Accessibility links

Breaking News

VaChombo Vopa Vanotengesa Mumigwagwa Svondo Rimwe Kubva Mumigwagwa Iyi


Gurukota rezvematunhu, VaIgnatious Chombo, vapa vanhu vari kutengesa mumigwagwa yemumadhorobha svondo rimwe chete rekuti vange vabva pakati pemaguta avanotengesera vari, vakatadza kuita izvi vanozobviswa nechisimba nemauto nemapusa.

VaChombo vataura mashoko aya neMuvhuro muHarare pamusangano wavashevedzera wapindwa nevemakanzuru pamwe nevanomirira masangano evanotengesa mumigwagwa.

Hurukuro naVaSamuel Wadzai
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu vane zvitoro vari kugunun’unawo kuti vari kushaya vanotenga nekuda kwevari kutengesa zvinhu pamberi pezvitoro zvavo.

Asi vanhu vanotengesa mumigwagwa vanoti vakazvipira kufa vachirwisa kubviswa mumigagwa. Vanhu ava vanoti vakawanda vavo vari kumanikdzwa kutengesa mumigwagwa nekuda kwekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika.

Mukuru wesangano revanotengesa mumigwagwa reNational Vendors Union Zimbabwe, VaSamuel Wadzai, vanoti mauto eJoint Operation Comnmand (JOC) apinda mumusangano uyu ange achivavhundutswira.

Sangano reJOC rine nhengo dzemauto, vasori nemapurisa.

Hurukuro naVaSamuel Wadzai
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG