Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kuisa maToll Gates muMaguta


Zimbabwe Toll Gates
Zimbabwe Toll Gates

Gurukota rinoona nezvemigwagwa nekutakurwa kwezvinhu VaObert Mpofu vanoti hurumende ine hurongwa hwekuisa matoll gates munzira dzose dzekupinda mumaguta nemumadhorobha kuri kuda kutsvaga mari yekugadzira migwagwa uye kuti motokari dzisangozare mumaguta kana zvisina kukodzera.

ZINARA inoti mugore rino yakwanisa kuwana mari inosvika mamiriyoni makumi matatu nemaviri asi ichitarisira kuwana mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu nemashanu emadhora.

Asi vanhu vakawanda vari kugunun’una kuti maitiro ehurumende kwave kutsvaga uta nemugate.

Sachigaro weBoard reZimbabwe National Roads Administration kana kuti ZINARA VaAlbert Mugabe vanoti kuti migwagwa igadzirwe zvinotoda kuti vanhu vabhadhare mari pamatoll gates.

Hukururo naVaAlbert Mugabe
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hurumende iri kutatarika kuwana mari yekugadzira migwagwa nenyaya yekushaya mari. Asi vamwe vari kuti nyaya yehuori ndiyo yakanganisa zvinhu.

XS
SM
MD
LG