Bato reZanu-PF radzinga neChina mudare reparamende vaive gurukota rezveMasvingo uye vachimirira Mwenezi West, VaKudakwashe Bhasikiti, mumiriri weMarondera Central, VaRay Kaukonde, pamwe nemumiriri weGuruve North, VaDavid Butau.
Vatatu ava vakadzingwa mubato muna Chivabvu. Izvi zvave kureva kuti kunenge kwoitwawo dzimwe dzema by–elections mumwedzi mishoma inotevera.
Vatatu ava vari pakati penhengo dzeZanu-PF dzinomwe dzakadzingwa mubato muna Chivabvu.
Hondo mubato ichiri kuendererawo mberi sezvo dunhu reHarare ravewo kuti vakafanobata chigaro chasachigaro, VaGodwills Masimirembwa, vanofanira kudzingwa pachigaro ichi vachinzi havasi kushanda nevamwe zvakanaka.
VaBhasikiti vanoti vangoudzwa kuti havachisiri nhengo yeparamende asi havana kupihwa tsamba.
Svondo rapera vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, VaIgnatious Chombo, vainge vazivisa kuti tsamba dzevakadzingwa ava dziri munzira uye vamwe vakatopihwa.