Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Mari yeDzidzo Haisi Kuzowedzerwa Kunyange Yotadza Kubhadhara Varairidzi


Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro, Doctor Godfrey Gandawa, vanoti hurumende haisi kuzoregedza zvikoro zvepamusoro soro zvichiita pamadiro pakuwedzera mari dzedzidzo kuitira kuti zvikoro zvepamusoro soro izvi zvikwanise kubhdhara varairidzi.

VaGandawa vanoti zvikoro zvepamusoro zvinofanira kutsvaga dzimwe nzira dzekutsvaga mari dzisineyi nekuwedzera mari dzinobhadharwa nevadzidzi.

Hurukuro naVaGodfrey Gandawa
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvinotevera mashoko ari mubepanhau reHerald ekuti dare remakurukota riri kutarisira kuzeya chirongwa chekuti hurumende imire kupa zvikoro izvi mari dzemihoro yevarairidzi.

Hurumende iri kunetseka zvakanyanya kubhadhara mari kuvashandi vayo. Zvikoro izvi zvinonzi nehurumende zvinofanira kuti zvibhadhare mihoro yevadzidzisi.

Hurumende ine chikwereti kuzvikoro izvi chinosvika mamiriyoni makumi matanhatu emadhora pasi pechirongwa che cadet kana kuti vadzidzi vanenge vachipihwa mukana wekumbonoshanda.

Mutungamiri wesangano reNational University of Science and Technolody Educators Association, VaAlois Muzuwe, vanoti havana chekutaura pari zvino sezvo vasati vapirwa nyaya yacho.

Asi mutauriri weZINASU, VaAvoid Masiraha, vanoti havasi kuzobvuma kuti mari dzedzidzo dziwedzerwe uye vacharatidzira kana zvichibvira.

Hurukuro naVaAvoid Masiraha
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG