Sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya yemabhizimisi nenyaya yekushaya mari yekunze uye kudhura kuri kuita mitero yekukwereta mari kumabhanga emunyika.
Sangano revakarwa hondo yerusununguko, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, rinoti rave kuzeya zvekare kuti roita here musangano waro neChina kana kuti Chishanu sezvo pave kunzi pane musangano wePolitburo weZanu-PF.
Sangano rinokweretesa mari pasi rose, re International Monetary Fund, IMF, rinoti pachine zvirehwa rehwa zvakawanda zvinoda kugadziriswa bhanga iri risati ratanga kupa zimbabwe zvimwe zvikereti.
Judiciary Service Commission, JSC, inoti gweta guru renyika, VaJohannes Tomana, vanofanira kusiya basa nenyaya yekusatevedzera mitongo yematare epamusoro sezvinodiwa nebumbiro remitemo.
Nyanzvi dzeIMF dziri kuita misangano negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, pamwe nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi.
Mutungamiri webato rinopikisa reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanira kuenda pamudyandigere nekuti kuramba kwavo vari panyanga kwave kukonzera matambudziko kunyika.
Amnesty International inoti chiri kufadza chete panyaya yeZimbabwe inyaya yekuti yasvitsa makore gumi isina kuuraya kana musungwa mumwe chete akatongerwa rufu.
Vanochengeta shumba veBubye Valley Conservancy vanoti kubva zvakamiswa vavhimi vemuAmerica kuzouraya shumba vachibhadhara mari, shumba dzavainadzo dzawandisa zvekuti vave kufunga kudziuuraya vega kuti vadzitapudze.
Mudzimai wemutungamiri wenyika amai Grace Mugabe vakatombotaura pamusangano kuChiweshe, Mashonaland Central kuti pane vanhu vari kuda kuuraya vana vavo.
Mutungamiri webato reZapu VaDumiso Dabengwa vanoti mutungamiri wenyika varobert mugabe vane munhu wavakatosarudza kare kuti azotora chigaro chavo asi asiri mumwe wevatevedzeri vavo VaEmmerson Mnangagwa
Vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vevanhuwo zvavo muHarare vanoti nyaya yekusagadzikana kwezvinhu muZanu-PF yave kuvakanganisa magariro avo sezvo vachityira kuti munyika munogona kuguma mokandiranwa makano.
Mutongi wedare ramejastiriti muHarare, VaVakai Chikwekwe nemusi weMuvhuro vakarasa chikumbiro chegweta guru renyika VaJohannes Tomana chekuti nyaya yavari kupomerwa yekutadza kuita basa nemazvo iraswe.
VaMadhuku vati zviri kuitika muZanu-PF munongedzo wekuti Mwari vari kunzwa zvichemo zvevana veZimbabwe avo vari kugara vachigununguna nematongerwo ari kuitwa neZanu-PF.
Mutungamiri webato rinopikisa rePeople’s Democratic Party, PDP, VaTendai Biti, vanoti kunetsana kuri kuitika muZanu-PF kunogona kukonzera kusagadzikana kwenyika kana kurwisana pachideuka ropa mubato iri.
Mutungamiri webato rinopikisa VaMorgan Tsvangirai vanoti kunetsana kuri kuitika mubato reZanu-PF kwave kukanganisa zvakanyanya vanhuwo zvavo munyika nekuti hapachina munhu muhurumende ari kuda kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyoka.
Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti mapurisa ari kuenderara mberi nekuongororara nyaya yemunhu akawanikwa akafa mundege yakamhara panhandare paHarare International Airport nemusi weSvondo.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende inofanira kusunga dzisimbe panyaya yekuwanira vanhu chikafu sezvo vanhu vakawanda, zvikuru kuMasvingo, voziya nenzara.
Vari kufanotungamira bato reZimbabwe People First kana kuti ZPF, Amai Joice Mujuru, vanoti kune vanhu vakawanda kubva kumapato akaita seMDC-T neMavambo Kusile Dawn vari kuuya kuzoshanda navo.
VaChinotimba vataura mashoko aya mushure mekukunda kwavakaita mumakwikwi ekutsvodana avakapinda nemudziumai wavo Vimbai, akaitwa muHarare neMugovera ayo inge akarongwa neBook of African Records
Amai Mujuru vabvunzwa neStudio 7 kuti ichokwadi here kuti vari kufanotungamira bato reZimbabwe People First vakapindura kuti, “hongu.”
Rodhai zvimwe