Accessibility links

Breaking News

VaMangoma Vanoti VaMugabe Ngavaende paMudyandigere


VaElton Mangoma
VaElton Mangoma

Mutungamiri webato rinopikisa reRenewal Democrats of Zimbabwe, VaElton Mangoma vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanira kuenda pamudyandigere nekuti kuramba kwavo vari panyanga kwave kukonzera matambudziko kunyika.

Vachitaura neStudio 7, VaMangoma vati vanhu vari kufurira VaMugabe kuti varambe vari pachigaro vanhu vasina chido chekuti nyika ifambire mberi zvakanaka.

Vati bato riri kutonga reZanu-PF rave kupedza nguva yakawanda richirwira chigaro chaVaMugabe pane kugadzirisa matambudziko ehupfumi nekushaya zvekudya zvakatarisana nevanhu munyika. Vanhu vanosvika mamiriyono matatu vanonzi havana chekudya munyika.

Vati bato ravo ratotanga kugadzirira sarudzo dzemuna 2018 asi vapika kuti havasi kuzoshanda nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru avo vakaumba bato ravo reZimbabwe People First.

VaMangoma vati Amai Mujuru nevamwe vavo inhengo dzeZanu-PF uye chinganzi rega ndochiri muruoko chiri muropa ndechekufa nacho.

XS
SM
MD
LG