Accessibility links

Breaking News

Amnesty Internationa Inoti Zimbabwe Yave neMakore Gumi Isati Yauraya Vakatongerwa Rufu, Asi Ichityora Hayo Kodzero dzeVanhu.


VaItai Dzamara

Sangano reAmnesty International nemusi weChitatu rakaparura gwaro remamiriro akaita nyaya dzekodzero dzevanhu munyika dzepasi rino kusanganisa Zimbabwe.

Gwaro iri rinotarisa nyaya dzekodzero dzevanhu mumakore a2015 na 2016 rakaparurwa paNelson Mandela Foundation muJohannesburg, South Africa.

Amnesty International inoti chiri kufadza chete panyaya yeZimbabwe inyaya yekuti yasvitsa makore gumi isina kuuraya kana musungwa mumwe chete akatongerwa rufu.

Nyaya yekutsakatika kwemurwiri wekodzero dzevanhu VaItai Dzamara inonzi neAmnesty International munongedzo wekuti muZimbabwe zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

VaDzamara vakapambwa pamba pavo muHarare musi wa 9 Kurume gore rapera nevarume vashanu kusvika parizvino hakuna anoziva kuti vari kupi.

VaDzamara ndivo vakavamba sangano reOccupy Africa Unity Square iro rairatidzira muHarare richiti VaMugabe vaende pamudyandigere richivapomera mhosva yekutadza kutonga.

Amnesty International inoti kunyangwe hazvo dare rakati mapurisa atsvage kuna VaDzamara havaone paine zviri kuitwa zvinoratidza kuti nyaya iyi iri kuferefetwa.

Amnesty International yatiwo hurumende haisi kuzadzikisa zviga zvebumbiro remitemo uye iri kumbunyikidza vanhu vanenge vachida kuratidzira, kuputsa dzimba dzevanhu pasina mutongo wedare uye kusunga vatori venhau.

Vatori venhau gumi kubva kumapepa akazvimirira uye ehurumende akasungawo munguva iyi.

Vemasangano akazvimirira oga vakasungwawo vachipomerwa mhosva dzakasiyana siyana. Mapurisa achishnadisa mutemo wePublic Order and Security Act anonzi akamisawo masangano akawanda aida kuratidzira.

Sangano rekodzero dzevanhu iri rinotiwo kodzero dzevashandi hadzisi kuchengetedzwawo munyika zvopa kuti vashandi vadzingwe mabasa vasina kupihwa mari dzemudyandigere.

Imwe nyaya yanzi kutyora kodzero dzevanhu kudzinga mumigwagwa vanhu vanorarama nekutengesa zvinhu zvakasiyana siyana mumadhorobha.

Amnesty International yatiwo hurumende haisi kuzadzikisa zviga zvebumbiro remitemo uye iri kumbunyikidza vanhu vanenge vachida kuratidzira, kuputsa dzimba dzevanhu pasina mutongo wedare uye kusunga vatori venhau. Vatori venhau gumi kubva kumapepa akazvimirira uye ehurumende akasungawo munguva iyi.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaMarufu Mandevere vari kuita zvidzidzo zvepamusoro paAmerican University muWashington DC vanoti hurumende inofanira kuona kuti kodzero dezevanhu dzazadzikiswa.

XS
SM
MD
LG