Accessibility links

Breaking News

Danho reBubye Valley Conservancy reKuda Kuuraya Shumba Mazana Maviri Roshorwa


Shumba Cecil
Shumba Cecil

Vanochengeta shumba veBubye Valley Conservancy vanoti kubva zvakamiswa vavhimi vemuAmerica kuzouraya shumba muZimbabwe vachibhadhara mari, shumba dzavainadzo dzawandisa zvekuti vave kufunga kudzi uraya vega kuti vadzitapudze.

America yakamisa kuvhimwa kweshumba dzemuZimbabwe mushure mekuurayiwa kweshumba yainzi Cecil kuHwange muna Chikunguru gore rapera.

Cecil yakaurayiwa nechizvarwa chekuAmerica chinova chiremba VaWalter Palmer. VeBubye vanoti vane shumba mazana mashanu uye mazana maviri dzinofanira kuurayiwa.

Asi vanoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka vachitungamira Zimbabwe Conservation Taskforce VaJohhny Rogroiguez vati kana shumba dzawandisa kunzvimbo iyi ngadziendeswe kune dzimwe nzvimbo kwete ku kudziuraya. Vati shumba dziri munyika dzichiri shoma zvakanyanya.

Sangano rePeople for the Ethical Treatment of Animals kana kuti PETA rashorawo danho reBubye iri. Sangano iri rati vanhu handivo vanofanira kuti shumba dzawandisa asi kuti zvinofanira kungoitwa nemhuka dzoga dziri musango.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG