Accessibility links

Breaking News

Kunetsana muZanu-PF Kwotyirwa Kuti Kuchaunza Kusagadzikana muNyika


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Vamwe vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vevanhuwo zvavo muHarare vanoti nyaya yekusagadzikana kwezvinhu muZanu-PF yave kuvakanganisa magariro avo sezvo vachityira kuti munyika munogona kuguma mokandiranwa makano.

Izvi zvinonzi zviri kuwedzerwa nenyaya yekuti vatungamiri mubato riri kutonga vave kutora mativi uye vachiyedza kukwezvawo vari muchiuto, vakarwa hondo nevechidiki vamwe vacho vakadzidziswa zvehondo kuBorder Gezi Training Centre.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanonzi varikutungamira chikwata chinonzi Team Lacoste ukuwo mumwe mutevedzeri VaPhelekezela Mphoko naAmai Grace Mugabe vanonzi vari kuchikwata chiri kunzi Generation 40 kana kuti G40.

Nemusi weChishanu chapfuura, VaMugabe vakashora zvikuru gurukota rezvevakarwa hondo vari sachigaro wesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaChris VaMutsvangwa. VaMugabe vakati VaMutsvangwa vacharangwa nekuda kwekonzeresa kupesana mubato nekuronga kuratidzira kwevakarwa hondo muHarare svondo rapera. VaMutsvangwa vanonzi vari kuchikwata che Team Lacoste.

Asi vamwe vakaita semugari wemuHarare VaNqobizitha Khumalo vanoti kuita kwaVaMugabe uku hakuna kunaka uye ndiko kwave kuvhiringidza musangano sezvo vasina kutsiurawo chikwata chinotsigirwa nemudzimai wavo.

Mutungamiriri wesangano ravana chipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, Dr Pedzisayi Ruhanya, vanoti hazviite kuti VaMugabe vatsiure mudzimai wavo uye zvakakosha kuti vabude pachena kuti ndiyani wavanoda kusiira masimba kwete kurega mudzimai wavo achifamba nenyika achingorova bembera.

Asi vaenderera mberi vachiti varwi vehondo yerusununguko vari muchiuto nekunze vanoremekedza VaMugabe uye havaoni vanhu ava vachivarwisa kana kupikisana navo pari zvino.

Asi vaimbova nhengo yeparamende yebato reZanu PF uye vave kutungamira sangano reYouth Advocacy for Reform and Decmocracy VaThemba Mliswa vakaudza vatori venhau pamusangao wavakaita muHarare svondo rapera kuti veruzhinji havana chavachanyanya kutarisira kubva kuna VaMugabe nekuti vakwegura uye havasisina simba.

Izvi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti zvinoonekwa nekuti kunyange hazvo bato ravo rakaita zvisungo zvakati kuti musangano waro wePolitburo hapana ari kutevedzera zvisungo izvi.

Zvimwe zvezvisungo izvi ndezvekuti nhengo dzebato iri dziregedze kutaura nevemapepa nhau anopikisa hurumende, kuregedza kutaura pamadandemutande akaita seTwitter pamwe nekuti vanhu vambomira kudzingana mubato. Bepanhau reHerald rakanziwo risateme richirerekera rimwe divi.

Mumwe mugari wekuGoromonzi zvakare vari nyanzvi munyaya dzezvehupfumi VaMasimba Manyanyaya vanoti zviri kuitika muZanu PF zvinosiririsa uye zvave kutora nguva nemari ingadai iri kushandiswa mukugadzirisa matambudzika akatarisana neveruzhinji.

VaManyanya vanotiwo zviri kuitwa naVaMugabe nebato ravo zvakasiyana chose nezvavanogaro taura kumisangano yeSouthern African Development Community neAfrican Union.

Vamwewo vakaita saVaAmon Phiri vemuHarare vanoti zvinhu hazvisati zvanyaya kuipa uye VaMugabe vane mukana wekugadzirisa zvinhu pamwe nekubatanidza bato ravo zvekare.

Kunyangwe chave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga kuti muZanu-PF magara muine kurwisana, vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti rwendo rwuno zvanyanya vachiti zviri kukonzerwa nekuti VaMugabe vakwegura pasina kujeka kuti ndiyani achatora chigaro chavo.

Bato reZanu-PF rinonzi rave bhasikiti raTizirai rekuti uku riri kurukwa uku riri kurudunhurwa.

XS
SM
MD
LG