Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti Kutanga Kupa Zimbabwe Chikwereti Chitsva Kuchatora Nguva


Mukuru weIMF Amai Christine Lagarde
Mukuru weIMF Amai Christine Lagarde

Sangano rinokweretesa mari pasi rose, re International Monetary Fund, IMF, rinoti pachine zvirehwa rehwa zvakawanda zvinoda kugadziriswa bhanga iri risati ratanga kupa zimbabwe zvimwe zvikereti.

Sangano rinokweretesa mari pasi rose, re International Monetary Fund, IMF, rinoti pachine zvirehwa rehwa zvakawanda zvinoda kugadziriswa bhanga iri risati ratanga kupa Zimbabwe zvimwe zvikereti.

Vachitaura neStudio 7 parunhare muHarare, mumiriri weIMF muZimbabwe, VaChristian Beddies, vati muZimbabwe mune chikwata cheIMF chiri kuita misangano nevakuru vehurumende vemapazi akasiyana siyana uye vezvemabhizimisi nezvenyaya dzekudyidzana nekugadzirisa hupfumi hwenyika.

Vakuru vehurumende vataura neStudio 7 vanoti vari kuda kuti IMF itange kupa Zimbabwe imwe mari yezvikwereti itsva. Vanoti vane chivimbo kuti Zimbabwe yakaita zvose zvaidiwa neIMF pachirongwa cheStaff Monitored Program chakatanga muna 2013 chikapera muna Zvita gore rapera.

VeZimbabwe vari kutiwo vanofunga kuti vanokwanisa kuzadzikisa chivimbiso chavakaita neIMF gore rapera kuLima, Peru chekuti vanenge vabhadhara mari dzakawedzerwa pazvikwereti kumabhanga ekunze uye nyika dzakabudirira.

Mari idzi dzinopfuura bhiriyoni imwe chete nemazana masere ezviuru zvemadhora uye Zimbabwe ichabhadhara mari idzi mwedzi waKubvumbi usati wapera.

IMF yakavimbisa gore rapera kuti izvi zvikaitwa inogona kutanga kutaura neZimbabwe nezvezvikwereti zvitsva.

Asi VaBeddies vaudza Studio 7 kuti havana chivimbo chekuti Zimbabwe, nemamiriro akaita hupfumi uye nzara iriko, inokwanisa kubhadhara mari idzi nenguva.

Vati zvekuti Zimbabwe ichakwereteswa mari here kana kuti kwete zvichaonekwa muna Chivabvu apo pachaitwa musangano weIMF muWashington DC.

Vemabhizimisi munyika vanoti pasina kudyidzana neIMF nekupihwa zvimwe zvikwereti zvinonetsa kugadzirisa hupfumi uho hwaenda kumawere.

Nemusi weChipiri chikwata cheIMF chiri kuita hurukuro nesangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC muHarare.

Mukuru wesangano reZNCC, VaDavid Norupiri, vanoti vanoda kuti IMF neZimbabwe zvitange kudyidzana kuitira kuti hupfumi hwenyika hugadzikane.

Nyaya Ina VaDavid Norupiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG