Accessibility links

Breaking News

VaDabengwa Vanoti VaMugabe Vane Munhu Wavanoda Kuti Atore Chigaro Chavo Asi Kwete VaMnangagwa


VaDumiso Dabengwa
VaDumiso Dabengwa

Mutungamiri webato reZapu VaDumiso Dabengwa vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vane munhu wavakato sarudza kare kuti azotora chigaro chavo asi asiri mumwe wevatevedzeri vavo VaEmmerson Mnangagwa.

VaDabengwa vaudza Studio 7 kuti semaonero avo kukandirana makobvu nematete kuri kuitika mubato reZanu-PF hakushamise uye zviri kuitwa kukurira nzira munhu akatosarudzwa kare naVaMugabe kuti azotora chigaro chavo.

Asi vati parizvino havangataure kuti munhu uyu ndiyani. Vatiwo kunetsana kuri muZanu-PF kunogona kuguma kwounza kusagadzikana munyika. Asi vati havaone mauto achipatsanuka asi kuti vanongotevera chero zvavanenge vaudzwa naVaMugabe.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaClifford Mashiri vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia, vanoti vanotenderana nemaonero aVaDabengwa nekuti dai VaMugabe vaida kuti VaMnangangwa vatore chigaro chavo havaizovasiya vachifumurwa pavanhu zvavari kuitwa nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe uye dzimwe nhengo dzebato iri.

XS
SM
MD
LG