Accessibility links

Breaking News

ZNCC Inoti Kushaikwa kweMari Kwokanganisa Mabhizinesi


Sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya yemabhizimisi nenyaya yekushaya mari yekunze uye kudhura kuri kuita mitero yekukwereta mari kumabhanga emunyika.

Sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, ZNCC, rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya yemabhizimisi nenyaya yekushaya mari yekunze uye kudhura kuri kuita mitero yekukwereta mari kumabhanga emunyika.

ZNCC inoti iri kuda kuti hurumende itaure nevemabhanga emunyika kuitira kuti vadzikise mari iyi.

Mutungamiri weZNCC, VaDavid Norupiri, vanotiwo mabhizmisi ari kukwanisa kushanda achingosvika pazvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana nepamusana pezvimhingamupinyi zvakawanda zvavari kusangano nazvo.

Vatiwo ZNCC yaumba bazi rinenge richishanda nevemabhizimisi makuru nemadiki vachivakurudzira kuti vakweretewo mari kumabhanga kuti mari dzavo dzipinde mumabhanga.

Vakawanda vemabhizimisi ava vanonzi havaendese mari dzavo kumabhanga uye havabhadhare mitero zvoita kuti mari iri kutenderera mumabhizimisi iderere.

Sangano iri rasangana neChipiri nechikwata che International Monetary Fund chiri munyika richikurudzirawo IMF kuti idyidzane neZimbabwe.

Hurukuro naVaDavid Norupiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG