Mutongi wedare ramejastiriti muHarare, VaVakai Chikwekwe, nemusi weMuvhuro vakarasa chikumbiro chegweta guru renyika, VaJohannes Tomana, chekuti nyaya yavari kupomerwa yekutadza kuita basa nemazvo vachiregerera vanhu vaipomerwa mhosva yekuti vaida kubhomba kambani yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe yeAlpha and Omega Dairy mwedzi wapera.
VaTomana vakati vainge varegerera varume ava, VaSolomon Makumbe pamwe na VaSilas Pfupa sezvo vainge vabvuma kuita zvapupu zvehurumende.
Mutongi atiwo VaTomana vakaburitsa varume vaviri ava vari muchiuto vasati vaverenga dhoketi ravo.
Panyaya yaVaTomana yekuti havangachuchuswe nevanhu vari pasi pavo, dare rati vanhu ava vakabairwa zvitupa uye rari zviri kutaurwa naVaTomana zvekuti havafanire kusungwa vari pabasa hazvishande nekuti bumbiro remitemo rinoti mutungamiri wenyika chete ndiye asingaendeswe kudare ari pachigaro.
Gweta raVaTomana, VaThabani Mpofu, vanoti vane zvavari kuronga asi havasi kuzofukura hapwa parizvino.