Accessibility links

Breaking News

Western Global Airline Yotaura Zvichitevera Kuwanikwa kweMutumbi Mundege Yayo muHarare


Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti mapurisa ari kuenderara mberi nekuongororara nyaya yemunhu akawanikwa akafa mundege yakamhara panhandare paHarare International Airport nemusi weSvondo.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti mapurisa ari kuenderara mberi nekuongororara nyaya yemunhu akawanikwa akafa mundege yakamhara panhandare paHarare International Airport nemusi weSvondo.

Ndege iyi yange yakatakura mari yeReserve Bank of South Africa.

Amai Charamba vati pari zvino mapurisa navanachiremba vari kuvhiya munhu uyu muHarare kana kuti post mortem kuti vaone kuti chii chakamuuraya. Vati izvi zvinogona kutora nguva.

Asi varidzi vendege iyi veWestern Global Airlines vekuFlorida muAmerica, vaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti ongorororo yavo iri kuratidza kuti munhu uyu akakwira ega mundege iyi zvinoitwa nevamwe vanohwanda vachikwira ndege vachida kunotsvaga hupoteri kune dzimwe nyika.

Asi kambani iyi yati iri kushanda nemapurisa emuHarare uye muzinda weAmerica uri muZimbabwe pakuti nyaya iyi ipere kuongororwa.

Mutauriri wemuzinda weAmerica muZimbabwe, Amai Karen Kelly, vaudza Studio7 kuti pari zvino havana zvavangataure asi kuti tibvunze Civial Aviation of Zimbabwe, CAZ, iyo iri kuongorora nyaya iyi.

Asi vakuru ve CAZ vange vasingadaire nharembozha dzayo.

Global Airlines inoti iyo inohayisa ndege uye kambani yainge ichishandisa ndege iyi inonzi Network Airline Management.

Hatina kukwanisa kubata vakuru vekambani ye Network Airline Management kuti tinzwe divi ravo.

Ndege iyi yakasimuka kubva kuGermany musi wa 13 Kukadzi iine vatyairi vatatu uye makanika nevamwe vanhu vaviri.

Ndege iyi inonzi yakamhara muHarare mushure mekubhururuka kwemaawa mapfumbamwe. Kambani yeWestern Global Airline inoti iri kuyedza kuona kuti ndege iyi yakafamba sei isati yasvika muHarare.

Asi yati pakawanikwa mufi panonetsa kuona kana paine munhu anenge ahwanda. Hapazivikanwe kuti munhu uyu chizvarwa chenyika ipi, asi munhu mutema.

XS
SM
MD
LG