Accessibility links

Breaking News

Musangano wePolitburo Wokanganisa Musangano weVakarwa Hondo


VaChristopher Mutsvangwa
VaChristopher Mutsvangwa

Sangano revakarwa hondo yerusununguko, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, rinoti rave kuzeya zvekare kuti roita here musangano waro neChina kana kuti Chishanu sezvo pave kunzi pane musangano wePolitburo weZanu-PF.

Sangano revakarwa hondo yerusununguko, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, rinoti rave kuzeya zvekare kuti roita here musangano waro neChina kana kuti neChishanu sezvo pave kunzi pane musangano wePolitburo weZanu-PF uri kuitwa neChina.

Musangano wekutanga wevakarwa hondo waida kuitwa musi wa 18 Kukadzi hauna kuzobudirira mushure mekunge varohwa, kukandirwa hutsi hunokatyidza uye kudirwa mvura nemapurisa vachizi vainge vaita musangano vasina mvumo.

Musangano uyu uri kuuya paine kunetsana kunotyisa mubato reZanu-PF pakati pevari kuzviti Team Lacoste vachitsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vanonzi vanozviti Generation 40 vachishanda naAmai Grace Mugabe.

NeMuvhuro zvinonzi kune munhu akayedzazve kupinda mumahofisi aVaMnangagwa manheru kuNew Government Complex izvo zvopa kuti muve nekufungirana nekupumhana huroyi mubato iri.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe nezvemusangano wePolitburo.

Asi munyori nukuru musangano revakarwa hondo yechimurenga, VaVictor Matemadanda, vanoti musangano wavari kuda kuita wakatoziviswa kumapurisa sezvinodiwa nemitemo.

Hurukuro naVaVictor Matemadanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatinawo kubata VaMnagagwa kuti tinzwe nezvekupwanywa kwehofisi sezvo vange vari mumusangano wemakurukota ehurumende wanzi watora nguva yakareba zvikuru.

XS
SM
MD
LG